Titus 2

Mafambiro evaKristu

1Zvino iwe taura zvinhu zvakafanira dzidziso yakagwinya. 2Varume vakuru kuti vazvibate, vanokudzwa, vakangwara, vakagwinya parutendo, parudo, pakutsungirira; 3saizvozvo vakadzi vakuru kuti pamafambiro vave sezvakafanira vatsvene, kwete vacheri, kwete varanda vewaini zhinji, vadzidzisi vezvinhu zvakanaka, 4kuti vadzidzise vakadzi vadiki kuchenjera, kuda varume vavo, nekuda vana vavo, 5vakazvibata, vakachena, vachengeti vemisha, vakanaka, vanozviisa pasi pevarume vavo pachavo, kuti shoko raMwari rirege kumhurwa. 6Varume vadiki saizvozvo ukurudzire kuti vave vanozvidzora; 7pazvinhu zvese iwe uzviratidze uri mufananidzo wamabasa akanaka, padzidziso yechokwadi, mugariro unokudzwa nekuvimbika, 8shoko rakagwinya, risingashoreki, kuti uyo wedivi rinopikisa anyare, asina chinhu chakaipa chaangareva pamusoro penyu. 9Kurudzira varanda kuzviisa pasi pavatenzi vavo pachavo, kuti vafadze pazvese, vasingakakavari, 10vasinganyimi, asi varatidze kutendeka kwakanaka kwese, kuti vashongedze dzidziso yaMwari Muponesi wedu pazvese. 11Nokuti nyasha dzaMwari dzinoponesa dzakaratidzwa kuvanhu vese, 12dzichidzidzisa isu kuti, tirambe kusanamata Mwari uye kuchiva kwenyika, tirarame nekuchenjera uye kururama nekunamata Mwari panyika yaikozvino, 13tichimirira tariro yakaropafadzwa nekuratidzwa kwekubwinya kwaMwari mukuru neMuponesi wedu Jesu Kristu, 14wakazvipira isu, kuti adzikunure isu pakuipa kwese, uye azvichenurire vanhu vakasanangurwa, vanoshingairira mabasa akanaka. 15Taura zvinhu izvi, uye kurudzira, uye tsiura nesimba rese. Kusava nemunhu anokuzvidza.
Copyright information for Shona